Dhuteronomi 8:3
Dhuteronomi 8:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha.
Dhuteronomi 8:3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyange madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.
Dhuteronomi 8:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akakuninipisa, akaita kuti unzwe nzara. Akakupa mana yokudya, yawakanga usingazivi, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako kuti uzive kuti munhu haararame nechokudya chete, asi anorarama nezvose zvinotaurwa nomuromo waTenzi.
Dhuteronomi 8:3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana, yawakaŋga usiŋgaziʋi, kunyaŋge madziɓaɓa ako akaŋga asiŋgaziʋi ʋo; kuti akuziʋise kuti munhu haararami neɀokudya ɀoga, asi kuti munhu unorarama neɀose ɀinoɓuɗa mumuromo waJehova.
Dhuteronomi 8:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)