Dhuteronomi 8:7-9
Dhuteronomi 8:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Jehovha Mwari wako ari kukuuyisa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura namatsime, nezvitubu zvinoerera mumupata nomumakomo; nyika ine zviyo nebhari, mizambiringa nemiti yemionde, neyemitamba, namafuta emiorivhi nouchi; nyika isingashayikwi chingwa uye hamuchazoshayiwi chinhu; nyika ine mabwe endarira uye uchachera mhangura mumakomo ayo.
Dhuteronomi 8:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo; nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi; nyika kwauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ina mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira.
Dhuteronomi 8:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti Tenzi Mwari wako ava kuzokuendesa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura nezvisipiti nezvitubu zvemvura inotubuka ichibva pasi pasi mumapani nomuzvikomo. Nyika yekoroni nebhari nemichero yamagirepisi nemionde nemipomogiraneti. Nyika yemiorivhi namafuta nouchi. Nyika yausingashaye chinhu, mauchadya chingwa usingaiti zvokupara. Simbi ndomabwe enyikayo, mumakomo ayo unozochera mhangura.
Dhuteronomi 8:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Jehova Mŋari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika inehoʋa dzemvura, namatsime, namadziʋa akadzika, anoɓuɗa pamipata napamakomo; nyika ineɀiyo, nabari, nemizambiriŋga, nemiʋonde, nemitamba; nyika yemiorivi inamafuta, noʋuci; nyika kwaucadya ciŋgwa, usiŋgashaiwi, kwausiŋgatoŋgoshaiwi cinhu; nyika inamabge emhaŋgura, napamakomo ayo ucacera ndarira.
Dhuteronomi 8:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)