Muparidzi 12:6-7
Muparidzi 12:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu, guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
Muparidzi 12:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka; uye mbiya yegoridhe isati yaputswa; chirongo chisati chapwanyika pachitubu, uye vhiri risati raputswa patsime, uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva, nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
Muparidzi 12:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tambo yesirivha isati yadambuka ndiro yendarama isati yapwanyika chirongo chisati chaputsika patsime. Ivhu rodzokera kunyika sezvarakanga riri mweya wodzokera kuna Mwari akamboupa.
Muparidzi 12:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
rwonzi rwesirveri rusati rwaɗamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, ciroŋgo cisati caputswa patsime, necicereso cinomonerwa cisati cavunikira pacituɓu, guruʋa risati radzokera kuvu, seɀarakaŋga rakaita; ʋuye mŋeya usati wadzokera kunaMŋari wakaupa.