Muparidzi 2:24-25
Muparidzi 2:24-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake. Ndakaona kuti naizvozvi zvinobva kuruoko rwaMwari. Nokuti ndiani angadya, ndiani angafarira chinhu kunze kwake?
Muparidzi 2:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari; nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare?
Muparidzi 2:24-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu haana chaangaita chinopfuura kudya nokunwa kuti awane kugutswa pakushanda kwake. Naizvozviwo, ndinoona kuti zvinobva muruoko rwaMwari, nokuti kana pasina iye, ndiani angadya kana kuwana mufaro?
Muparidzi 2:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari; nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare?
Muparidzi 2:24-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hakunecinhu cinopfuʋura ici, kuti munhu adye, anwe, afadze mŋeya wake neɀakanaka pakati pokuɓata kwake. Ndakaʋona kuti naiɀoɀi ɀinobva kuruʋoko rwaMŋari. Nokuti ndiani uŋgadya, ndiani uŋgafarira cinhu kunze kwake?