Muparidzi 4:9-10
Muparidzi 4:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋaʋiri ʋanopfuʋura mumŋe, nokuti ʋanomuɓairo wakanaka wokuɓata kwaʋo. Nokuti kana ʋakawira pasi, mumŋe ucasimudza shamŋari yake; asi uri oga unenhamo kana aciwira pasi, haanomumŋe uŋgamusimudza.
Muparidzi 4:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vaviri vari nani pano mumwe chete, nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo: Kana mumwe akawira pasi, shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare. Asi ane nhamo munhu anowira pasi, asina anomusimudza!
Muparidzi 4:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vanomubayiro wakanaka wokubata kwavo. Nokuti kana vakawira pasi, mumwe achasimudza shamwari yake; asi ari oga ane nhamo kana achiwira pasi, haano mumwe angamusimudza.
Muparidzi 4:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka. Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza.