Muparidzi 9:11
Muparidzi 9:11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva: Anomhanyisa haasi iye anokunda uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa, uye akachenjera haasi iye ane zvokudya, uye vane njere havasi ivo vane pfuma, uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu; asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika.
Muparidzi 9:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chimwe chandakaona pasi pedenga ndechokuti shasha yokumhanya haisiyo inokunda vamwe vose. Gamba rokurwa harisiro rinokunda muhondo vangwaru havasivo vanowana chokudya vakachenjerawo havasivo vanowana upfumi, mhizha hadzisidzo dzinobudirira nguva yavanayo imwechete uye zvinowira mumwe zvinowira vose.
Muparidzi 9:11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda, ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane pfuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.
Muparidzi 9:11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakadzoka, ndikaʋona pasi pezuʋa, kuti unomhanyisa haazi iye unokunda, unesimba haazi iye unokunda pakurwa, wakacenjera haazi iye uneɀokudya, ʋanhu ʋanenjere haʋazi iʋo ʋanefuma, ʋanhu ʋanoʋumhizha haʋazi iʋo ʋanofarirwa; asi ʋanowirwa ʋose neŋguʋa neɀinoitika.
Muparidzi 9:11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)