VaEfeso 1:18-21
VaEfeso 1:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinonyengeterawo kuti meso emwoyo wenyu avhenekerwe kuitira kuti mugoziva pfuma yenhaka yake yokubwinya muvatsvene, uye nesimba rake guru risingagoni kuenzaniswa kwatiri isu vanotenda. Iroro simba rakaita sokubata kwesimba rake guru, raakaita muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa akamugarisa kuruoko rwake rworudyi mudenga, pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya.
VaEfeso 1:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
uye kuti mwoyo yenyu ivhenekerwe kuti muzive chitarisiro chaakakudanirai uye upfumi hwenhaka yake inomukurumbira inowanikwa navatsvene uye hakusi kukura ikoko kwakaita simba rake matiri isu tinotenda sokushanda kwakaita simba rake guru raakashandisa munaKristu paakamumutsa kuvakafa akaita kuti agare kurudyi rwake kunzvimbo dzokumatenga. Kristu akaiswa pamusoro pavose zvavo vane ukuru ukuru, pamusoro pamadzishe navabati vezvigaro uye pamusoro pavane umambo, akapiwawo zita rinomukurumbira kupfuura mazita ose pasi pano nokudenga.
VaEfeso 1:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
mavhenekerwa meso omwoyo wenyu, kuti muzive kuti kudana kwake kune tariro yei, nepfuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene, noukuru hwakapfuurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokubata kwesimba rake guru, raakabata muna Kristu, achimumutsa kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga, kumusoro-soro kwamadzishe ose, noukuru, nesimba, noushe, namazita ose anorehwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi pane inozouyawo
VaEfeso 1:18-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
mavenekerwa meso omŋoyo wenyu, kuti muziʋe kuti kuɗana kwake kunetariro yei, nefuma yokubginya kwenhaka yake pakati paʋatȿene, noʋukuru bgakapfuʋurisa bgesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokuɓata kwesimba rake guru, raakaɓata munaKristu, acimumutsa kuʋakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kuɗeŋga, kumsoro‐soro kwaʋaɓati ʋose, noʋukuru, nesimba, noʋushe, namazita ose anorebga, pasati pari panyika ino ɓedzi, asi paneinozoʋuya ʋo
VaEfeso 1:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)