VaEfeso 3:16-19
VaEfeso 3:16-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuti vakupei papfuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati; kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda; kuti imi, mune midzi yenyu nenheyo dzenyu murudo; muve nesimba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko, nokuziva rudo rwaKristu, runopfuura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari.
VaEfeso 3:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati, kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo, muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii, uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.
VaEfeso 3:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinonamata kuti kubva muupfumi hwavo hune mbiri akusimbaradzei nesimba nokuna Mweya, umunhu hwenyu hwomukati uye kuti nechitendero chenyu Kristu aite musha wake mumwoyo yenyu kuti imi mudzike midzi yenyu uye kucherera hwaro hwenyu murudo, kuti muwane simba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose upamhi nourefu nokukwira kumusoro mudenga noudzamu uye kuti muzive rudo rwaKristu runopfuura ruzivo kuti muzadzwe naMwari wose sezvaari.
VaEfeso 3:16-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuti ʋakupei pafuma yokubginya kwaʋo kukuru, simba kuti musimbiswe noMŋeya waʋo mumunhu womukati; kuti Kristu agare pamŋoyo yenyu nokutenda; kuti imi, munemidzi yenyu nenheyo dzenyu muruɗo; muʋe nesimba rokunzwisisa pamŋe cete naʋatȿene ʋose, kuti kufara, nokureɓa, nokukwirira, nokudzika kwakaɗiniko, nokuziʋa ruɗo rwaKristu, runopfuʋura kuziʋa, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMŋari.
VaEfeso 3:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)