VaEfeso 4:22-24
VaEfeso 4:22-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuti pamufambiro wenyu wokutanga mubvise munhu wekare; unoodzwa nokuchiva kwokunyengetera; muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, mupfeke munhu mutsva, akasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwechokwadi.
VaEfeso 4:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera; kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu; uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.
VaEfeso 4:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chibvisai humunhu hwenyu homugariro wenyu wakare hwakaodzwa nehavi dzounyengedzi, muvandudzwe patsva mumweya nomupfungwa dzenyu, mupfeke unhu hutsva hwakasikwa hwakatodzana naMwari muururami noutsvene huri pachokwadi.
VaEfeso 4:22-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuti pamufambire wenyu wokutaŋga mubvise munhu wekare, unoʋodzwa nokuciʋa kwokunyeŋgera; muʋandudzwe mumŋeya wokuraŋgarira kwenyu, mufuke munhu mutȿa, wakasikwa akafanana naMŋari pakururama, noʋutȿene bgeɀokwaɗi.
VaEfeso 4:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)