Esteri 2:17
Esteri 2:17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mambo akada Esiteri kupfuura vamwe vakadzi vose, akanzwira tsitsi nounyoro naye kupfuura dzimwe mhandara dzose; naizvozvo akaisa korona youhosi pamusoro wake, akamuita vahosi panzvimbo yaVashiti.
Esteri 2:17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino mambo akayevedzwa naEsteri kupfuura ani naani zvake wavamwe vakadzi, uye akawana nyasha kwaari akagamuchirwa kupfuura ani zvake pakati pedzimwe mhandara. Saka akagadza korona youmambo pamusoro wake akamuita vahosi panzvimbo yaVhashiti.
Esteri 2:17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
mambo akada Esita kupinda vakadzi vose. Akatorwa mwoyo naye akamufarira kupinda dzimwe mhandara dzose. Nokudaro akamudzika mumusoro ndaza youmambo akabva amuita vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti.
Esteri 2:17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mambo akaɗa Estere kupfuʋura ʋamŋe ʋakadzi ʋose, akanzwirwa tsitsi noʋunyoro naye kupfuʋura dzimŋe mhandara dzose; naiɀoɀo akaisa korona yoʋuhosi pamusoro wake, akamuita ʋahosi panɀimbo yaVashti.