Ekisodho 10:1-2
Ekisodho 10:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao nokuti ndaita kuti aomese mwoyo, iye namachinda ake kuti ndiite zviratidzo zvangu pakati pavo. Ndinodawo kuti imi vaIsiraeri muzokwanisa kukurukurira vana venyu navazukuru venyu, vachinzwa nenzeve dzavo kupusisa kunorwadza kwandakaita vaIjipiti nezviratidzo zvandakaita pakati pavo, mugoziva kuti ini ndini Tenzi.”
Ekisodho 10:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo, kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu marangiro akaoma andakaita vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.”
Ekisodho 10:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo; kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.”
Ekisodho 10:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao nokuti ndaita kuti aomese mwoyo, iye namachinda ake kuti ndiite zviratidzo zvangu pakati pavo. Ndinodawo kuti imi vaIsiraeri muzokwanisa kukurukurira vana venyu navazukuru venyu, vachinzwa nenzeve dzavo kupusisa kunorwadza kwandakaita vaIjipiti nezviratidzo zvandakaita pakati pavo, mugoziva kuti ini ndini Tenzi.”
Ekisodho 10:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, nokuti ndawomesa mŋoyo wake, nemŋoyo yaʋaranda ʋake, kuti ndiise ɀiratidzo ɀaŋgu iɀo pakati paʋo; kuti iwe ugotaura munzeʋe dzomŋanakomana wako, nedzomŋanakomana womŋanakomana wako, ɀose ɀandakaitira Egipita, neɀiratidzo ɀandakaita pakati paʋo; muziʋe kuti ndini Jehova.