Ekisodho 10:13-14
Ekisodho 10:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Mozisi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro peIjipiti, uye Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute munyika zuva rose nousiku hwose. Mangwanani, mhepo yakanga yauyisa mhashu; dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve.
Ekisodho 10:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika yeIjipiti, Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu. Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti; dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve.
Ekisodho 10:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro penyika yose yeIjipiti. Tenzi akaunza mhepo yakabva kumabvazuva, yakaswerera ikararira ichivhuvhuta. Kuzoti kwaedza mhepo yokumabvazuva iyi yakaunza mhashu. Mhashu dzacho dzakauya dzakawanda kwazvo munyika yose yeIjipiti, dzikamhara zvokuti tsvete nyika yose zvayo yeIjipiti. Mhashu dzakadai hadzina kumboonekwa kubvira pasi chigare uye hadzizombofi dzakaonekwazve.
Ekisodho 10:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mosesi akatambanudzira tȿimbo yake pamsoro penyika yeEgipita, Jehova akaʋuyisa pamsoro penyika mhepo yakabva kumabvazuʋa zuʋa iro rose noʋusiku bgose; ɀino fume maŋgwana mhepo yokumabvazuʋa ikaʋuyisa mhashu. Mhashu dzikaʋuya pamsoro penyika yose yeEgipita, dzikandomhara munyika yose yeEgipita; dzakaŋga dzakawanda kwaɀo; mhashu dzakaɗai hadzina‐kumboʋa’po kubva pakutaŋga, ʋuye dzakaita saidzodzo hadziŋgazoʋi’po ɀe.
Ekisodho 10:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)