Ekisodho 10:21-23
Ekisodho 10:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti rima ripararire pamusoro peIjipiti, rima rinonzwikwa.” Saka Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikafukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Hapana aigona kuona mumwe munhu papi zvapo kana kubva panzvimbo yake kwamazuva matatu. Asi vaIsraeri vainge vane chiedza munzvimbo dzavaigara.
Ekisodho 10:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, rima rivepo panyika yeIjipiti, rima ringaita seringabatwa namaoko.” Mosesi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeIjipiti, rikaita mazuva matatu; havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara.
Ekisodho 10:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako mudenga kuti muIjipiti muve nerima rakati kwindindi.” Mosesi akasimudzira ruoko rwake kudenga, rima guru ndokufukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Ipapo vaIjipiti vakanga vasisaonani. Hakuna munhu akaedza kubuda mumba make pamazuva iwayo ose. Asi kwaiva navaIsiraeri kwakanga kuine chiedza.
Ekisodho 10:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako kuɗeŋga, rima riʋe’po panyika yeEgipita, rima riŋgaita seriŋgaɓatwa namaʋoko. Mosesi akatambanudzira ruʋoko rwake kuɗeŋga, rima guru rikaʋa po panyika yose yeEgipita, rikaita mazuʋa matatu; haʋana‐kuʋonana, ʋuye hapanomumŋe wakasimuka paakaŋga agere mazuʋa matatu; asi ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋaneciedza kwaʋaigara.
Ekisodho 10:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)