Ekisodho 11:1
Ekisodho 11:1 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano.
Ekisodho 11:1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Ndichauyisa rimwezve dambudziko pamusoro paFaro napamusoro peIjipiti. Shure kwaizvozvo, achakutenderai kubva muno, uye paanozviita, achakudzingirai kunze zvachose.
Ekisodho 11:1 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Zvino kwasara dambudziko rimwechete randichaunzira Farao nenyika yeIjipiti ozokuregai zvenyu moenda. Farao paachanyatsoti muende achaita zvokukudzingai muno.
Ekisodho 11:1 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Ndicaʋuyisa ɗambudziko rimŋe ɀe pamsoro paFarao napamsoro peEgipita, ipapo ucakutenderai kubva pano; musi waacakutenderai kuenda, ɀirokwaɀo ucakudziŋgai cose pano.