Ekisodho 11:5-6
Ekisodho 11:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
madangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo. Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungavipozve.’
Ekisodho 11:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
mataŋgwe ose munyika yeEgipita acafa, kutaŋga paɗaŋgwe raFarao unogara pacigaro coʋushe, kuȿikira paɗaŋgwe romurandakadzi uri paguyo, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo. Pan ika yose yeEgipita pacaʋa nokucema kukuru, kwakaɗaro hakuna‐kumboʋa’po, ʋuye hakuŋgaʋi’po ɀe.
Ekisodho 11:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wose wedangwe ari muIjipiti achafa, kubva pamwanakomana wedangwe waFaro, iye agere pachigaro choushe, kusvikira kumwanakomana wedangwe womurandakadzi, ari paguyo rake, namatangwe ose emombewo. Pachava nokuchema kukuru muIjipiti yose, kwakadaro hakuna kumbovapo uye hakungavepozve.
Ekisodho 11:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Matangwe ose echirume omunyika yeIjipiti achafa, kubvira pamwanakomana waFarao wedangwe achazogara nhaka youmambo kusvikira kumwanakomana wedangwe womuranda wechikadzi anoita basa rokukuya pamwechete namatangwe ose ezvipfuwo achafa. Munyika yose yeIjipiti muchava nokuchema kukuru kusati kwambovamo, uye hakuchazombofi kwakanzwikazve.
Ekisodho 11:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)