Ekisodho 12:12-13
Ekisodho 12:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Usiku ihwohwo, ndichapfuura nomuIjipiti ndichiuraya kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kune emhuka, ndichirangawo vamwari vose veIjipiti. Ndini Tenzi. Ropa repadzimba dzamuchange muri ndorichava chiratidzo chenyu. Kana ndikaona ropa iroro, ndichakudarikai kuti murege kuwirwa nenhamo ingakuparadzei pandicharova nyika yeIjipiti.
Ekisodho 12:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Usiku ihwohwo, ndichapfuura nomuIjipiti ndichiuraya kubvira kumatangwe avanhu kusvikira kune emhuka, ndichirangawo vamwari vose veIjipiti. Ndini Tenzi. Ropa repadzimba dzamuchange muri ndorichava chiratidzo chenyu. Kana ndikaona ropa iroro, ndichakudarikai kuti murege kuwirwa nenhamo ingakuparadzei pandicharova nyika yeIjipiti.
Ekisodho 12:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nousiku ihwohwo ndichapfuura napakati peIjipiti ndigorova matangwe ose, zvose vanhu nezvipfuwo, uye ndichatonga vamwari vose veIjipiti. Ndini Jehovha. Ropa richava chiratidzo kwamuri mudzimba dzamunogara; uye ndikaona ropa, ndichapfuura pamuri. Hapana hosha inoparadza ichakubatai pandicharova Ijipiti.
Ekisodho 12:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeIjipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeIjipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veIjipiti; ndini Jehovha. Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere; kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeIjipiti.
Ekisodho 12:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti noʋusiku ubgo ndicafamba napakati penyika yeEgipita, ndiciroʋa mataŋgwe ose aʋanhu panyika yeEgipita, naʋana ʋose ʋemhoŋgora dzeɀipfuwo; ndicatoŋga ʋamŋari ʋose ʋeEgipita; ndini Jehova. Asi ropa ricaʋa ciratidzo kwamuri padzimba mamugere; kana ndiciʋona ropa ndicakupfuʋurai, kuti ɗambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndiciroʋa nyika yeEgipita.