Ekisodho 12:26-27
Ekisodho 12:26-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye pamuchabvunzwa navana venyu vachiti, ‘Zvinoreveiko izvi kwamuri?’ Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ ” Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata.
Ekisodho 12:26-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana vana venyu vakati kwamuri, ‘Basa iri rinoti kudiniko?’ Muti kwavari, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu.’ ” Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata.
Ekisodho 12:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vana venyu vakazokubvunzai kuti, ‘Ko mabiko aya anoreveiko?’ imi muti, ‘Ichi chibayiro chePasika chatinoita tichirumbidza Tenzi nokuti akapfuura dzimba dzavaIsiraeri muIjipiti achiuraya vaIjipiti, asi achisiya vemhuri dzedu vari vapenyu.’ ” Ipapo vaIsiraeri vakabva vapfugama vakanamata Tenzi.
Ekisodho 12:26-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana ʋana ʋenyu ʋakati kwamuri: Ƃasa iri rinoti kuɗiniko? Muti kwaʋari: Ndico ciɓayiro cepaseka yaJehova, wakaɗarika dzimba dzaʋana ʋaIsraeri paEgipita nomusi waakaroʋa ʋaEgipita, akaponesa dzimba dzeɗu. Ipapo ʋanhu ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata.
Ekisodho 12:26-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)