Ekisodho 13:21-22
Ekisodho 13:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Masikati Tenzi aivatungamirira neshongwe yegore, usiku achivatungamirirawo nezirimi romoto raivavhenekera nzira kuti vagone kufamba masikati kana usiku. Shongwe yegore yairamba ichivatungamirira masikati, zirimi romoto richivatungamirira usiku.
Ekisodho 13:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Masikati Tenzi aivatungamirira neshongwe yegore, usiku achivatungamirirawo nezirimi romoto raivavhenekera nzira kuti vagone kufamba masikati kana usiku. Shongwe yegore yairamba ichivatungamirira masikati, zirimi romoto richivatungamirira usiku.
Ekisodho 13:21-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Masikati Jehovha aivatungamirira neshongwe yegore kuti avatungamirire munzira yavo uye usiku aivatungamirira neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe, kuti vafambe masikati kana usiku. Shongwe yegore masikati kana shongwe yemoto usiku hazvina kubva panzvimbo yazvo pamberi pavanhu.
Ekisodho 13:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akavatungamirira masikati neshongwe yegore rokuvaperekedza panzira, usiku neshongwe yomoto yokuvavhenekera, kuti vafambe masikati nousiku. Shongwe yegore yakanga isingabvi pamberi pavanhu masikati, kana shongwe yomoto usiku.
Ekisodho 13:21-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akaʋatuŋgamirira masikati neshoŋgwe yegore rokuʋaperekedza panzira, ʋusiku neshoŋgwe yomŋoto yokuʋavenekera, kuti ʋafambe masikati noʋusiku Shoŋgwe yegore yakaŋga isiŋgabvi pamberi paʋanhu masikati, kana shoŋgwe yomŋoto ʋusiku.