Ekisodho 15:23-25
Ekisodho 15:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazosvika kuMara asi vakatadza kunwa mvura yepo nokuti yaikarakata kuvava. Saka pakatumidzwa zita rokuti Mara. Ipapo vaIsiraeri vakapopotera Mosesi vachiti, “Zvino tonwei?” Mosesi akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamuratidza chimwe chigwenzi Mosesi akachikanda mumvura, mvura iya ikabva yanaka. Ipapo Tenzi akavapa murao nomutemo achida kuona kuti vaIsiraeri vanoteerera here
Ekisodho 15:23-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Vakazosvika kuMara asi vakatadza kunwa mvura yepo nokuti yaikarakata kuvava. Saka pakatumidzwa zita rokuti Mara. Ipapo vaIsiraeri vakapopotera Mosesi vachiti, “Zvino tonwei?” Mosesi akanamata kuna Tenzi. Tenzi akamuratidza chimwe chigwenzi Mosesi akachikanda mumvura, mvura iya ikabva yanaka. Ipapo Tenzi akavapa murao nomutemo achida kuona kuti vaIsiraeri vanoteerera here
Ekisodho 15:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vasvika paMara, havana kugona kunwa mvura yacho nokuti yaivava. (Ndokusaka nzvimbo yacho ichinzi Mara.) Saka vanhu vakapopotera Mozisi vachiti, “Tonweiko?” Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza chimuti. Akachikanda mumvura, mvura ikanaka. Jehovha akavaitirapo mutemo nomurayiro, uye akavaedza ipapo.
Ekisodho 15:23-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara. Zvino vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Tichanweiko?” Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akavaitirapo murayiro nomutemo, akavaedzapo
Ekisodho 15:23-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaȿika Mara, asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakaŋga iciʋaʋa; naiɀoɀo zita ra’po rakanzi Mara. Ɀino ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Ticanweiko? Iye akacema kunaJehova, Jehova akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akaʋaitira’po murairo nomutemo, akaʋaidza’po