Ekisodho 15:26
Ekisodho 15:26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.”
Ekisodho 15:26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
akati, “Kana mukazogara muchinyatsonditeerera ini Tenzi, Mwari wenyu muchiita zvinondifadza, muchichengeta mitemo nemirao yangu, handizokurovai neshamu yezvirwere yandakarova nayo vaIjipiti nokuti ini Tenzi ndini murapi wenyu.”
Ekisodho 15:26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati, “Kana mukanyatsoteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu uye mukaita zvakarurama pamberi pake, kana mukarerekera nzeve dzenyu kumirayiro yake uye mukachengeta mitemo yose, haangauyisi pamusoro penyu zvirwere zvose zvandakauyisa pamusoro pavaIjipita, nokuti ndini Jehovha anokuporesai.”
Ekisodho 15:26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akati, “Kana uchiteerera nomwoyo wose izwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako.”
Ekisodho 15:26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akati: Kana uciterera nomŋoyo wose inzwi raJehova Mŋari wako, ukaita ɀakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeʋe dzako kumirairo yake, ukaceŋgeta ɀaakatema ɀose, handiŋgaisi pamsoro pako marwadzi andakaisa pamsoro paʋaEgipita, nokuti ndini Jehova murapi wako.