Ekisodho 16:3-4
Ekisodho 16:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe vagounganidza zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira.
Ekisodho 16:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
vana vaIsiraeri vakati kwavari, “Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.” Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete.
Ekisodho 16:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Dai Tenzi akatiuraya hake tichiri kuIjipiti kwataiita zvedu mabhodho enyama okupfachura, chingwa tichidya zvedu pataidira. Hezvi makatiunza murenje muno kuzotiurayisa zvenyu isu tose nenzara.” Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Ndichakunayisirai chingwa chinobva kudenga. Zuva nezuva vanhu vose ngavabude vanonge chingwa chinovakwanira kudya pazuva iroro chete. Ndipo pandichaona kuti vaIsiraeri vanoteerera mutemo wangu here kana kuti kwete.
Ekisodho 16:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaʋari: Tiŋgaɗai takafira heɗu munyika yeEgipita noruʋoko rwaJehova, tigere heɗu pahari dzenyama, ticidya ɀiŋgwa ticiguta; nokuti matiɓuɗisira kurenje iri, kuti muʋuraye ʋuŋgano iyi yose nenzara. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndicakunisirai ciŋgwa cinobva kuɗeŋga; ʋanhu ʋacafanira kuɓuɗa kundoɀiʋuŋganidzira ciyero cinoriŋgana zuʋa rimŋe nerimŋe, ndiʋaidze ndiʋone kana ʋaciɗa kuterera murairo waŋgu, kana kwete.
Ekisodho 16:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)