Ekisodho 17:6-7
Ekisodho 17:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini ndichamira mberi kwako ikoko padombo riri kuHorebhu, urove dombo iroro, mvura ibude, vanhu vanwe.” Mosesi akaita saizvozvo vakuru vakuru vevaIsiraeri vachiona. Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, Masa neMeribha, pamusana pokupopota kwavaIsiraeri nokuedza kwavakaita Tenzi vachiti, “Ko Tenzi achinesu here kana kuti kwete?”
Ekisodho 17:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ini ndichamira mberi kwako ikoko padombo riri kuHorebhu, urove dombo iroro, mvura ibude, vanhu vanwe.” Mosesi akaita saizvozvo vakuru vakuru vevaIsiraeri vachiona. Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti, Masa neMeribha, pamusana pokupopota kwavaIsiraeri nokuedza kwavakaita Tenzi vachiti, “Ko Tenzi achinesu here kana kuti kwete?”
Ekisodho 17:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichamira ipapo pamberi pako padombo riri paHorebhi. Urove dombo, uye mvura ichabuda pariri, kuti vanhu vanwe.” Saka Mozisi akaita izvi pamberi pavakuru vavaIsraeri. Uye akatumidza nzvimbo iyi kuti Masa neMeribha nokuti vaIsraeri vakakavadzana naye uye nokuti vakaedza Jehovha vachiti, “Ko, Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?”
Ekisodho 17:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa.” Mosesi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri. Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kwokurwa kwavana vaIsiraeri; uye nokuti vakaedza Jehovha, vachiti, “Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete?”
Ekisodho 17:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarira ndicamira pamberi pako paɗombo riri paHorebi, uroʋe ɗombo iro, mvura icaɓuɗa pariri, ʋanhu ʋagonwa. Mosesi akaita saiɀoɀo pamberi paʋakuru ʋaIsraeri. Akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Masa neMeriba nokuɗa kwokurwa kwaʋana ʋaIsraeri; ʋuye nokuti ʋakaidza Jehova, ʋaciti: Jehova uri pakati peɗu here, kana kwete?