Ekisodho 24:17-18
Ekisodho 24:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwairatidzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo. Ipapo akapinda mugore paakanga achikwira mugomo. Uye akagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana.
Ekisodho 24:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana vaIsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo. Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana.
Ekisodho 24:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakanga kwakaita somoto wairirima pamusoro pegomo pakuona kwavaIsiraeri. Mosesi akapinda mugore muya, akakwira mugomo. Akagaramo siku nesikati, kwamazuva makumi mana.
Ekisodho 24:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kubginya kwaJehova kukaʋonekwa naʋana ʋaIsraeri kwakaita somŋoto unopisa kwaɀo, uri pamusoro wegomo. Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna.