Ekisodho 27:20-21
Ekisodho 27:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta. MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokuzvizvarwa zvinotevera.
Ekisodho 27:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Unofanira kuraira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta omuorivhi akaisvonaka akasvinhiwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose. Mutende rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi pechipupuriro, Aroni navanakomana vake ngavaugadziremo pamberi paJehovha, kubva pamadekwana kusvikira mangwanani; ngauve mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi ose avana vaIsiraeri.
Ekisodho 27:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Iti vaIsiraeri vakupe mafuta akanakisisa eorivhi, okudira mumarambi echigadzikiro chomwenje achagara akatungidzwa, mutendhe rokusanganira kuseri kwechidzikatiro pakatarisana nebhokisi rechitenderano, Aroni navanakomana vake vaagadziridze arare achivhenekera paneni Tenzi kubvira manheru kudzamara kwaedza. VaIsiraeri ngavachengete murao wangu iwoyu narini wose pazvizvarwa zvavo zvose.
Ekisodho 27:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unofanira kuraira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaʋuye kwauri namafuta omuorivi akaiȿo‐naka akaȿinhiwa omŋenje, kuti avenekese mŋenje ŋguʋa dzose. Mutente rokusoŋgana, kunze kwecidzitiro ciri pamberi pecipupuriro, Aroni naʋanakomana ʋake ŋgaʋaugadzire’mo pamberi paJehova, kubva pamaɗekwana kuȿikira maŋgwanani; ŋgauʋe mutemo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri.
Ekisodho 27:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)