Ekisodho 31:2-5
Ekisodho 31:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha, kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira, kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha.
Ekisodho 31:2-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake, ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa, kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira, nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa.
Ekisodho 31:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chionaka ndasarudza ndikadomawo nezita Bhezarieri mwanakomana waUri, muzukuru waHuri, wedzinza rokwaJudha, ndikamuzadza nomweya waMwari. Ndamupa kunzwisisa uye njere kuti agone kuita mabasa ose oumhizha anoti, kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzopfurwa zvendarama nezvesirivha nezvendarira nokuveza tumabwe tunokosha twokuisa pazvinhu nokuvezawo miti nokuita mamwewo mabasa oumhizha.
Ekisodho 31:2-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarira, ndaɗana Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda, nezita rake, ndikamuzadza noMŋeya waMŋari, noʋucenjeri, nokunzwisisa, nokuziʋa kwose, nokugona marudzi ose amaɓasa, kuti afuŋge mano oʋumhizha, nokuɓata nendarama, nesirveri, nendarira, nokuʋeza mabge anoiswa mukati, nokuʋeza matanda, nokugona marudzi ose amaɓasa.
Ekisodho 31:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)