Ekisodho 32:5-6
Ekisodho 32:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Aroni akati aona izvi, akavaka aritari pamberi pemhuru iya akazivisa vanhu kuti, “Mangwana kuchava nomutambo kuna Jehovha.” Saka zuva rakatevera vanhu vakamuka mangwanani vakabayira zvipiriso zvinopiswa uye vakapa zvipiriso zvokuwadzana. Shure kwaizvozvo vakagara pasi vakadya, vakanwa uye vakasimuka kuti vatambe.
Ekisodho 32:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Aroni wakati achizviona, akavaka atari pamberi payo, Aroni akadanidzira, akati, “Mangwana mutambo uchavapo kuna Jehovha.” Vakafumira mangwanani, vakapisira zvipiriso zvinopiswa, vakauyawo nezvipiriso zvokuyananisa, vanhu vakagara pasi, vakadya nokunwa, vakasimuka, vakatamba.
Ekisodho 32:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Aroni achiona izvi akavaka atari pamberi pechimhuru chiye, akadaidzira shoko rokuti, “Mangwana tichaitira Tenzi mabiko.” Mangwana acho vakafumouya nezvipfuwo, vakapira mipiro yokupisa, nemipiro yokuwadzana. Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, ndokusimuka votamba.
Ekisodho 32:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Aroni wakati aciɀiʋona, akaʋaka artari pamberi payo, Aroni akaɗanidzira, akati: Maŋgwana mutambo ucaʋa’po kunaJehova. Ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapisira ɀipiriso ɀinopiswa, ʋakaʋuya ʋo neɀipiriso ɀokuyananisa, ʋanhu ʋakagara pasi, ʋakadya nokunwa, ʋakasimuka, ʋakatamba.
Ekisodho 32:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)