Ekisodho 33:16-17
Ekisodho 33:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vachaziva sei kuti munofadzwa neni uye navanhu venyu kana musina kuenda nesu? Chiizve chicharatidza mutsauko pakati pangu navanhu venyu navamwe vanhu vose vari pamusoro penyika?” Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichaita chinhu ichocho chawakumbira, nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”
Ekisodho 33:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti zvichazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini navanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigova vakatsaurwa, ini navanhu venyu pakati pavamwe vanhu vose vapanyika dzose here?” Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako.”
Ekisodho 33:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti zvingagozozikanwa seiko kuti imi munofadzwa neni uye navanhu venyu? Handiti iko kuenda nesu ndiko kunonyatsoratidza kuti ini navanhu venyu tiri vanhu vakasiyana namamwe marudzi ose apasi pano here?” Tenzi akapindurawo Mosesi achiti, “Zvawataura ndichaita izvozvo chaizvo ndozvandichaita nokuti ndinofadzwa newe uye ndinokuziva nezita.”
Ekisodho 33:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀicazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini naʋanhu ʋenyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigoʋa ʋakatsaurwa, ini naʋanhu ʋenyu pakati paʋamŋe ʋanhu ʋose ʋapanyika dzose here? Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Ndicaita ʋo cinhu ici cawareʋa, nokuti wawana nyasha pamberi paŋgu, ndinokuziʋa nezita rako.
Ekisodho 33:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)