Ekisodho 34:6-7
Ekisodho 34:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye akapfuura napamberi paMozisi, achizivisa achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo uye akatendeka, anoitira rudo kuzviuru zvamazana, uye achikanganwira zvakaipa, kumukira nechivi. Asi haaregi ane mhosva asingarangwi; anoranga vana navana vavo nokuda kwechivi chamadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina.”
Ekisodho 34:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akapfuura pamberi pake, akadanidzira, achiti, “Jehovha, Jehovha, Mwari azere nyasha nengoni, anononoka kutsamwa, ane tsitsi huru nezvokwadi, anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.”
Ekisodho 34:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akazopfuura napaiva naMosesi akadetemba zita rake achiti: “Yahweh, Yahweh Mwari ane tsitsi, ane mwoyo wakanaka, ane mwoyo murefu, azere nomwoyochena wakawanda wakavimbika, azere kutendeseka. Anoitira zviuru nezviuru zvavanhu mwoyochena anoregerera zvitadzo, achiregererawo kukanganisa nouipi, asi haamborega zvake munhu anokodzera kurangwa asina kurangwa. Anoranga vana navana vavo, achivarangira zvakaipa zvamadzibaba avo, achitevedza zvizvarwa zvavo, kunyange kusvikira kune chechitatu nechechina.”
Ekisodho 34:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova akapfuʋura pamberi pake, akaɗanidzira, aciti: Jehova, Jehova, Mŋari uzere nyasha neŋgoni, unononoka kutsamŋa, unetsitsi huru neɀokwaɗi. unoceŋgetera ʋaneɀuru ɀamazana nyasha dzake, unoʋakaŋganwira ɀakaipa ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo, asi usiŋgapembedzi munhu unemhoȿa, unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, naʋana ʋaʋana ʋaʋo kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna.
Ekisodho 34:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)