Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 38:1 - Compare All Versions

Ekisodho 38:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuunga, yakakwirira makubhiti matatu; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanu pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 38 BDSC

Ekisodho 38:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Akaita atari yezvibayiro zvinopiswa nomuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; yakanga ine nhivi ina dzakanga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiva makubhiti matatu.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 38 SNA2002

Ekisodho 38:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Akaveza mapango omuunga akagadzira atari. Kureba kwayo kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo hwaiva mamita mazana maviri ana masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kwakanga kuchiita mita imwechete, ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari akanga akaenzana.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 38 SCLBD

Ekisodho 38:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Akaita artari yeɀiɓayiro ɀinopiswa nomuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti mashanu, noʋupamhi bgayo makubiti mashanu; yakaŋga inenhiʋi inna dzakaŋga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiʋa makubiti matatu.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 38 SUB1949

Ekisodho 38:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Akaveza mapango omuunga akagadzira atari. Kureba kwayo kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri, upamhi hwayo hwaiva mamita mazana maviri ana masendimita makumi maviri, kukwira kwayo kwakanga kuchiita mita imwechete, ina masendimita makumi matatu. Mativi mana eatari akanga akaenzana.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 38 SCLB