Ekisodho 5:8-9
Ekisodho 5:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi vanofanira kuita zvidhina zvakaenzana pakuwanda nezvavaisimboita kare; musazvitapudza. Isimbe; ndokusaka vachichema vachiti, ‘Tiregei tiende kundobayira kuna Mwari wedu.’ Itai kuti basa rinyanye kuomera vanhu kuitira kuti varambe vachishanda uye varege kuteerera kunhema.”
Ekisodho 5:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvitina zvavakaita kusvikira zvino, muvatarire izvozvo; musazvitapudza, nokuti havana chavanobata, saka vanodana, vachiti, ‘Titenderei tindobayira Mwari wedu.’ Varume ngavawedzerwe basa rinorema, varemerwa naro; kuti varege kurangarira mashoko enhema.”
Ekisodho 5:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi mugwazo wezvidhina wavakatemerwa ngaurambe wakadaro, musautapudze kunyange napaduku pose. Vanhu ava itsimbe, ndokusaka vachichema vachiti, ‘Regai tiende kundopira Mwari wedu zvibayiro.’ Remedzai vanhu ava nebasa kuti vaite basa varege kuteerera zvokunyepa izvo.”
Ekisodho 5:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɀitina ɀaʋakaita kuȿikira ɀino, muʋatarire iɀoɀo; musaɀitapudza, nokuti haʋana‐caʋanoɓata, saka ʋanoɗana, ʋaciti: Titenderei tindoɓayira Mŋari weɗu. Ʋarume ŋgaʋawedzerwe ɓasa rinorema, ʋaremerwe naro; kuti ʋarege kuraŋgarira mashoko enhema.
Ekisodho 5:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)