Ekisodho 8:18-19
Ekisodho 8:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi nʼanga dzakakundikana, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu. Nʼanga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Ekisodho 8:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo. Zvino n'anga dzakati kuna Farao, “Munwe waMwari”; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Ekisodho 8:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
N'anga dzakaita mashiripiti adzo. Dzakaedzawo kuita umhutu dzikatadza. Umhutu ihwohwo hwaiva pose pose huchimomotera vanhu nezvipfuwo. N'anga idzi dzakanyevera Farao dzichiti, “Changamire, Mwari bedzi ndiye aita izvi.” Sokureva kwakanga kwaitwa naTenzi, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni.
Ekisodho 8:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ŋaŋga dzikaita saiɀoɀo noʋuroyi bgadzo kuti dziɓuɗise ʋutuŋga, asi hadzina‐kugona; ʋutuŋga bgakaŋga ʋuri paʋanhu napaɀipfuwo. Ɀino ŋaŋga dzakati kunaFarao: Munwe waMŋari; asi mŋoyo waFarao wakawomeswa, akasaʋaterera, seɀakaŋga ɀarebga naJehova.
Ekisodho 8:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)