Ekisodho 9:9-10
Ekisodho 9:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Richava guruva rakatsetseka pamusoro penyika yose yeIjipiti, uye mamota anoputika achamera pavanhu napazvipfuwo munyika yose.” Saka vakatora madota pachoto vakandomira pamberi paFaro. Mozisi akaakusha mumhepo, mamota anoputika akamera pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo.
Ekisodho 9:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeIjipiti, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjipiti.” Ivo vakatora madota echoto, vakamira pamberi paFarao, Mosesi akaakushira kudenga, akaita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo.
Ekisodho 9:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dota racho richambumuka richipararira nenyika yose yeIjipiti. Vanhu nezvipfuwo vachaita mamota anoputika achiita maronda anotyisa.” Saizvozvo vakatora dota pachoto vakaenda naro kuna Farao. Mosesi akamwaya dota riya mudenga rikabva raitisa vanhu nemhuka mamota.
Ekisodho 9:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Acashanduka guruʋa rakatsetseka panyika yose yeEgipita, aciita mamota anoputika semhoni paʋanhu napaɀipfuwo ɀose ɀeEgipita. Iʋo ʋakatora maɗota ecoto, ʋakamira pamberi paFarao, Mosesi akaakushira kuɗeŋga, akaita mamota anoputika semhoni paʋanhu napaɀipfuwo.
Ekisodho 9:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)