Ezekieri 12:25
Ezekieri 12:25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi ini Jehovha ndichataura zvandichataura, uye zvichazadzisika zvisinganonoki. Nokuti pamazuva enyu, imi imba yokumukira, ndichazadzisa zvose zvandinotaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Ezekieri 12:25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nokuti ndini Jehovha; ndichataura, neshoko randichataura richaitika, haringazononoswi; nokuti pamazuva enyu, iwe imba inondimukira simba, ndichataura shoko nokuriitawo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ezekieri 12:25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi ini Tenzi ndichataura zvandinotaura zvichiitika, hazvichanonoka. Ndichataura chinhu chichiitika munguva yenyu iyoyo, imi imba yavapanduki.” Ndichati ndikataura chinhu chinobva chaiitika, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Ezekieri 12:25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndini Jehova; ndicataura, neshoko randicataura ricaitika, hariŋgazononoswi; nokuti pamazuʋa enyu, iwe imba inondimukira simba, ndicataura shoko nokuriita ʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Ezekieri 12:25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)