Ezekieri 17:24 - Enzanisa Shanduro Dzose
Ezekieri 17:24 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha ndinodzikisa miti yakareba uye ndinoita kuti miti mipfupi irebe. Ndinoomesa muti munyoro uye ndinoita kuti muti wakaoma ukure. “ ‘Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’ ”
Ezekieri 17:24 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino miti yose yokusango ichaziva kuti ini Jehovha ndakaderedza muti murefu, ndikakwiridza muti wakazvidzwa, nokuomesa muti munyoro, ndikameresa muti wakaoma. Ini Jehovha ndakazvitaura, ndikazviita.”
Ezekieri 17:24 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino miti yose yokusaŋgo icaziʋa kuti ini Jehova ndakaɗeredza muti murefu, ndikakwiridza muti wakaɀidzwa, nokuwomesa muti munyoro, ndikameresa muti wakawoma. Ini Jehova ndakaɀitaura, ndikaɀiita.
Ezekieri 17:24 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Miti yose yesango ichaziva kuti ini Tenzi ndinopfupikisa muti murefu ndichirebesa muti mupfupi. Ndinoomesa muti munyoro ndichipfumvudzisa muti wakaoma. Ndini Tenzi ndazvitaura uye ndichazviita.”
Ezekieri 17:24 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Miti yose yesango ichaziva kuti ini Tenzi ndinopfupikisa muti murefu ndichirebesa muti mupfupi. Ndinoomesa muti munyoro ndichipfumvudzisa muti wakaoma. Ndini Tenzi ndazvitaura uye ndichazviita.”