Ezekieri 21:26 - Enzanisa Shanduro Dzose
Ezekieri 21:26 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
zvanzi naIshe Jehovha: Bvisai nguwani youprista, bvisai korona. Hazvichazorambi zviri sezvazvaiva: vanozvidzwa vachasimudzirwa uye vanokudzwa vachaninipiswa.
Ezekieri 21:26 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvanzi naIshe Jehovha, ‘Ngowani yohupristi inofanira kubva, korona inofanira kubva, hazvingarambi zviripo; kwiridzai zviri pasi, muderedze zviri kumusoro.’
Ezekieri 21:26 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
ɀanzi naShe Jehova: Ŋgowani yoʋuprista inofanira kubva, korona inofanira kubva, haɀiŋgarambi ɀiri’po; kwiridzai ɀiri pasi, muɗeredze ɀiri kumsoro.
Ezekieri 21:26 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi Mwari bvisa ngundu ukutunure chiremba choumambo. Zvinhu hazvicharamba zvakaita zvazvakaita. Vapasi vachasimudzwa vapamusoro vachaderedzwa.
Ezekieri 21:26 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvanzi naTenzi Mwari bvisa ngundu ukutunure chiremba choumambo. Zvinhu hazvicharamba zvakaita zvazvakaita. Vapasi vachasimudzwa vapamusoro vachaderedzwa.