Ezekieri 23:35 - Enzanisa Shanduro Dzose
Ezekieri 23:35 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo wakandikanganwa ukandirasira shure kwako, unofanira kuzvitakurira matambudziko ounzenza hwako noufeve hwako.”
Pakurirana nevamwe
Ezekieri 23 BDSCEzekieri 23:35 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Zvawakandikanganwa, ukandirasira shure kwako, naizvozvo chiva nemhosva yezvakashata zvako, neyokupata kwako.”
Pakurirana nevamwe
Ezekieri 23 SNA2002Ezekieri 23:35 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀawakandikaŋganwa, ukandirashira shure kwako, naiɀoɀo ciʋa nemhoȿa yeɀakashata ɀako, neyokupata kwako.
Pakurirana nevamwe
Ezekieri 23 SUB1949Ezekieri 23:35 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti wakandikanganwa ukandikanda kuseri kwako. Hezvoka worumwa nechokuchera nokushaya kwakoka hunhu nounzenza hwako.
Pakurirana nevamwe
Ezekieri 23 SCLBEzekieri 23:35 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti wakandikanganwa ukandikanda kuseri kwako. Hezvoka worumwa nechokuchera nokushaya kwakoka hunhu nounzenza hwako.
Pakurirana nevamwe
Ezekieri 23 SCLBD