Ezekieri 24:14 - Enzanisa Shanduro Dzose
Ezekieri 24:14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handinganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Ezekieri 24:14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini Jehovha ndakazvitaura, zvichaitika, ini ndichazviita, handingadzoki, handingapembedzi, kana kuzvidemba; vachakutonga sezvakafanira nzira dzako, sezvakafanira zvawakaita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ezekieri 24:14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ini Jehova ndakaɀitaura, ɀicaitika, ini ndicaɀiita, handiŋgadzoki, handiŋgapembedzi, kana kuɀiɗemba; ʋacakutoŋga seɀakafanira nzira dzako, seɀakafanira ɀawakaita — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Ezekieri 24:14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndini Tenzi ndataura! Zvichatoitika ndichazviita! Handisi kuzodzokera shure! Handisi kuzonzwira tsitsi! Handisi kuzodzora mwoyo. Uchatongwa zvinofambiranawo nokuita kwako uye nezviito zvako.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Ezekieri 24:14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)