Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 33:11 - Enzanisa Shanduro Dzose

Ezekieri 33:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 33 BDSC

Ezekieri 33:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Uti kwavari, ‘Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsiraeri?’

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 33 SNA2002

Ezekieri 33:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Uti kwaʋari: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeʋuke panzira yake; tendeʋukai, tendeʋukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti mucafireiko, imi imba yaIsraeri?

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 33 SUB1949

Ezekieri 33:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, handifarire rufu rwomutadzi asi kuti mutadzi apinduke panzira yake ararame. Tendeukai, tendheukai panzira dzenyu dzakaipa, ko munodirei kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 33 SCLB

Ezekieri 33:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, handifarire rufu rwomutadzi asi kuti mutadzi apinduke panzira yake ararame. Tendeukai, tendheukai panzira dzenyu dzakaipa, ko munodirei kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 33 SCLBD