Ezekieri 33:9 - Enzanisa Shanduro Dzose
Ezekieri 33:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako.
Ezekieri 33:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, uchiti atendeuke pairi, akasatendeuka panzira yake, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako.”
Ezekieri 33:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi kana ukanyeʋera wakaipa pamsoro penzira yake, uciti atendeʋuke pairi, akasatendeʋuka panzira yake, iye ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi iwe warwira hako mŋeya wako.
Ezekieri 33:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ukayambira akaipa kuti apinduke pauipi hwake asi iye worega zvake kupinduka panzira yake, achafira muuipi hwake asi iwe unenge wazviponesa upenyu.
Ezekieri 33:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Asi ukayambira akaipa kuti apinduke pauipi hwake asi iye worega zvake kupinduka panzira yake, achafira muuipi hwake asi iwe unenge wazviponesa upenyu.