Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 34:16 - Enzanisa Shanduro Dzose

Ezekieri 34:16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndichatsvaka akarasika ndigodzosa akatetereka. Ndichasunga akakuvara ndigosimbisa asina simba, asi akakora neane simba ndichaaparadza. Ndichafudza boka nokururamisira.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 34 BDSC

Ezekieri 34:16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ndichatsvaka akarasika, ndichadzosa akadzingwa, ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara; asi akakora naane simba ndichaaparadza; ndichaafudza zvakarurama.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 34 SNA2002

Ezekieri 34:16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndicatȿaka akarashika, ndicadzosa akadziŋgwa, ndicapombera akavunika, ndicasimbisa anorwara; asi akakora naanesimba ndicaaparadza; ndicaafudza ɀakarurama.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 34 SUB1949

Ezekieri 34:16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Dzinenge dzarasika ndichidzitsvaka ndichadzora dzinenge dzatetereka, dzinenge dzakuvara ndichidzisunga kasekete, dzinenge dzarukutika ndichidzisimbaradza. Asi dzakakora nedzakasimba ndichadzitarisa ndichidzifudza noruenzaniso.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 34 SCLB

Ezekieri 34:16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Dzinenge dzarasika ndichidzitsvaka ndichadzora dzinenge dzatetereka, dzinenge dzakuvara ndichidzisunga kasekete, dzinenge dzarukutika ndichidzisimbaradza. Asi dzakakora nedzakasimba ndichadzitarisa ndichidzifudza noruenzaniso.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 34 SCLBD