Ezekieri 37:6 - Enzanisa Shanduro Dzose
Ezekieri 37:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaisa marunda pamuri ndigoita kuti muve nenyama pamusoro penyu uye ndichakufukidzai neganda; ndichaisa mweya mukati menyu uye muchava vapenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Ezekieri 37:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichaisa marunda pamusoro penyu, nokuuyisa nyama pamusoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Ezekieri 37:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ndicaisa marunda pamsoro penyu, nokuʋuyisa nyama pamsoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mŋeya mukati menyu, murarame; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
Ezekieri 37:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaisa marunda pamuri, ndichaitawo kuti nyama ive pamuri ndikuputirei neganda ndigokufemerai mweya mamuri muchiva vapenyu. Muchabva maziva kuti ndini Tenzi.”
Ezekieri 37:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndichaisa marunda pamuri, ndichaitawo kuti nyama ive pamuri ndikuputirei neganda ndigokufemerai mweya mamuri muchiva vapenyu. Muchabva maziva kuti ndini Tenzi.”