Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 38:16 - Enzanisa Shanduro Dzose

Ezekieri 38:16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsraeri segore rinofukidza nyika. Mumazuva anouya, iwe Gogi, ndichakuuyisa kuzorwa nenyika yangu, kuitira kuti ndudzi dzigondiziva pandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 38 BDSC

Ezekieri 38:16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsiraeri, wakaita segore rinofukidza nyika; zvino namazuva okupedzisira ndichakuuyisa kuti urwe nenyika yangu kuti marudzi andizive, kana ndaitwa mutsvene pakati pako, iwe Gogi, ivo vachizviona.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 38 SNA2002

Ezekieri 38:16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

ucaʋuya kuzorwa naʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, wakaita segore rinofukidza nyika; ɀino namazuʋa okupedzisira ndicakuʋuyisa kuti urwe nenyika yaŋgu, kuti marudzi andiziʋe, kana ndaitwa mutȿene pakati pako, iwe Gogi, iʋo ʋaciɀiʋona.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 38 SUB1949

Ezekieri 38:16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Uchauya kuzorwisa vanhu vangu vaIsiraeri segore raputira nyika iyoyi. Mumazuva achauya ndichakuunza kuzorwisa nyika yangu kuitira kuti marudzi vandizive pandichaonesa kuera kwangu nemairi iwe Gogu ivo vachiona nameso avo.’

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 38 SCLB

Ezekieri 38:16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Uchauya kuzorwisa vanhu vangu vaIsiraeri segore raputira nyika iyoyi. Mumazuva achauya ndichakuunza kuzorwisa nyika yangu kuitira kuti marudzi vandizive pandichaonesa kuera kwangu nemairi iwe Gogu ivo vachiona nameso avo.’

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 38 SCLBD