Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 39:25 - Enzanisa Shanduro Dzose

Ezekieri 39:25 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Zvino ndichabvisa Jakobho kubva mukutapwa uye ndichanzwira tsitsi vanhu vose veIsraeri, uye ndichashingairira zita rangu dzvene.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 39 BDSC

Ezekieri 39:25 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Zvino ndichadzosa kutapwa kwaJakobho, nokunzwira imba yose yaIsiraeri nyasha; ndichashingairira zita rangu dzvene.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 39 SNA2002

Ezekieri 39:25 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀino ndicadzosa kutapxa kwaJakobo, nokunzwira imba yose yaIsraeri nyasha; ndicashiŋgairira zita raŋgu dɀene.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 39 SUB1949

Ezekieri 39:25 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvino ndava kudzosera pakare makomborero okwaJakobho ndichiitira tsiye nyoro imba yaIsiraeri yose uye ndichaitira shanje zita rangu rinoera.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 39 SCLB

Ezekieri 39:25 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Zvino ndava kudzosera pakare makomborero okwaJakobho ndichiitira tsiye nyoro imba yaIsiraeri yose uye ndichaitira shanje zita rangu rinoera.

Pakurirana nevamwe
Ezekieri 39 SCLBD