Ezekieri 44:30
Ezekieri 44:30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvakanakisisa, zvezvibereko zvenyu zvokutanga nezvipo zvenyu zvose zvakatsaurwa zvichava zvavaprista. Munofanira kuvapa mugove wokutanga woupfu hwakakuyiwa kuitira kuti makomborero agogara paimba yenyu.
Ezekieri 44:30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chakaisvonaka pamichero yokutanga yezvose, nezvipiriso zvakatsaurwa zvezvose, zvezvipo zvenyu zvose, zvinofanira kuva zvavapristi; munofanira kupawo vapristi zvokutanga zvoupfu hwenyu hwakakuyiwa, kuti mugarise ropafadzo paimba yenyu.
Ezekieri 44:30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Michero yose yokutanga yemhando dzose zvadzo nomupiro wose wemhando dzose pazvinhu zvose zvamunopira zvichava zvavapristi. Munofanirawo kupa kumupristi upfu hwakamanzika kuitira kuti imba yako iwane chikomborero.
Ezekieri 44:30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cakaiȿo‐naka paɀiɓereko ɀokutaŋga ɀeɀose, neɀipiriso ɀakatsaurwa ɀeɀose, ɀeɀipo ɀenyu ɀose, ɀinofanira kuʋa ɀaʋaprista; munofanira kupa ʋo ʋaprista ɀokutaŋga ɀoʋupfu bgenyu bgakakuyiwa, kuti mugarise ropafadzo paimba yenyu.
Ezekieri 44:30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)