Ezekieri 7:27
Ezekieri 7:27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo achachema, muchinda achafukidzwa nokuora mwoyo, uye maoko avanhu vomunyika achadedera. Ndichavaitira zvakafanira mafambiro avo, uye ndichavatonga nemitemo yavo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Ezekieri 7:27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mambo achachema, muchinda achafuka kuparadza, namaoko avanhu venyika achakanganiswa; ndichavaitira zvakafanira nzira dzavo, ndichavatonga sezvavakafanira; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Ezekieri 7:27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo achachema nhamo, jinda rozanga kuora mwoyo uye vanhu munyika varukutiswa maoko nokutya. Ndichavaitira zvinofambirana nokuita kwavo uye ndichavatonga nekatongero kavo. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi.”
Ezekieri 7:27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mambo ucacema, mucinda ucafuka kuparadza, namaʋoko aʋanhu ʋenyika acakaŋganiswa; ndicaʋaitira ɀakafanira nzira dzaʋo, ndicaʋatoŋga seɀaʋakafanira; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
Ezekieri 7:27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)