Ezekieri 7:9
Ezekieri 7:9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Handizombokunzwiri ngoni kana kukuponesa; ndichakutsiva zvakafanira mafambiro ako nezvinyangadzo zviri pakati pako. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndiri kukurova.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 7Ezekieri 7:9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsiwo; ndichauyisa pamusoro pako zvakafanira nzira dzako; zvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndinorova.”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 7Ezekieri 7:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handichakuitira tsiye nyoro kana kukuitira tsitsi asi ndichakurangira nzira dzako idzodzo nezvinosemesa zviri pakati pako. Ipapo ndipo pauchazoziva kuti ini ndini Tenzi anorova.”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 7