Ezira 4:3
Ezira 4:3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Zerubhabheri, Jeshua navamwe vose vakuru vedzimba dzeIsraeri vakapindura vakati, “Hamuna mugove nesu mukuvaka temberi yaMwari wedu. Isu pachedu ndisu tichaivakira Jehovha, Mwari waIsraeri, sezvatakarayirwa naMambo Sirasi, mambo wePezhia.”
Ezira 4:3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Zerubhabheri, naJeshua, navamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri vakati kwavari, “Imi hamungatongobatsirani nesu pakuvakira Mwari wedu imba; asi isu toga tichavakira Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvatakarairwa namambo Koreshi mambo wePerisia.”
Ezira 4:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Zerubhabhero naJeshua navamwe vose vatungamiriri vaye vedzimba dzamadzibaba omuIsiraeri vakati kwavari, “Hazvinei nemi kuti isu tiri kuvakira Mwari wedu imba! Asi kutoti iyesu toga ndisu iyesu tichavakira Tenzi, Mwari weIsiraeri sokuudzwa kwatakaitwa namambo Sairosi, mambo wePezhiya.”
Ezira 4:3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Zerubaberi, naJeshua, naʋamŋe ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aIsraeri ʋakati kwaʋari: Imi hamuŋgatoŋgoɓatsirani nesu pakuʋakira Mŋari weɗu imba; asi isu toga ticaʋakira Jehova Mŋari waIsraeri, seɀatakarairwa namambo Koreshi mambo wePersia.
Ezira 4:3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)