VaGaratia 2:15-16
VaGaratia 2:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Isu ʋaJuda pakuɀarwa kweɗu, tisati tiri ʋatadzi ʋanobva kuʋahedeni, ɀatinoziʋa kuti munhu haaruramiswi namaɓasa omurairo, asi nokutenda kunaKristu Jesu, nesu ʋo takatenda kunaKristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kunaKristu, tirege kururamiswa namaɓasa omurairo; nokuti hakunenyama icaruramiswa namaɓasa omurairo.
VaGaratia 2:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘Dzimwe Ndudzi’ uye tinoziva kuti munhu haaruramisirwi nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tiruramisirwe nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu acharuramisirwa nokuchengeta murayiro.
VaGaratia 2:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Isu vaJudha pakuzvarwa kwedu, tisati tiri vatadzi vanobva kuvahedheni, zvatinoziva kuti munhu haaruramiswi namabasa omurayiro, asi nokutenda kuna Kristu Jesu, nesuo takatenda kuna Kristu Jesu, kuti tiruramiswe nokutenda kuna Kristu, tirege kururamiswa namabasa omurayiro; nokuti hakuna munhu acharuramiswa namabasa omurayiro.
VaGaratia 2:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isu iyesu, zvizvarwa zvechiJudha, tisiri vechirudzi, vatadzi, tinoziva kuti munhu haaruramiswi nezvisungo zvomutemo, asi nechitendero muna Jesu Kristu. Kunyangewo isu takatenda wani muna Kristu Jesu kuti tiruramiswe nechitendero muna Kristu kwete nezvisungo zvomutemo nokuti hapana anoruramiswa nezvisungo zvomutemo.
VaGaratia 2:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)