Genesisi 17:12-13
Genesisi 17:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kubva kuzvizvarwa zvinotevera, mwanakomana mumwe nomumwe ari pakati penyu ava namazuva masere okuberekwa anofanira kudzingiswa, kusanganisa navaya vakaberekerwa mumba mako kana vakatengwa nemari kumutorwa, vaya vasiri vana vako. Angava akaberekerwa mumba mako kana akatengwa nemari yako, vanofanira kudzingiswa. Sungano yangu panyama yenyu inofanira kuva sungano isingaperi.
Genesisi 17:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana ane mazuva masere pakati penyu ngaadzingiswe, mukomana mumwe nomumwe pamarudzi enyu, kana akazvarwa mumba, kana akatengwa nemari kuvatorwa vapi navapi, vasati vari vavana vako. Wakazvarwa mumba mako, Noakatengwa nemari, vanofanira kudzingiswa; sungano yangu ive panyama penyu, ive sungano isingaperi.
Genesisi 17:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazvizvarwa zvenyu zvose, mwana mukomana anenge ava namazuva masere okuberekwa pakati penyu ngaadzingiswe, angave mwana womuranda wako akaberekwa mumusha mako kana womuranda wokutenga nemari yako, asiri worudzi rwako. Naizvozvo varanda vanoberekwa mumusha mako navaunotenga nemari yako, vose ngavadzingiswe. Nokudaro kudzingiswa ndiko kuchava chitenderano changu nemi chisingaperi chiri pamuviri wenyu.
Genesisi 17:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana unamazuʋa masere pakati penyu ŋgaadziŋgiswe, mukomana mumŋe nomumŋe pamarudzi enyu, kana akaɀarwa mumba, kana akateŋgwa nemari kuʋatorwa ʋapi naʋapi, ʋasati ʋari ʋaʋana ʋako. Wakaɀarwa mumba mako, nowakateŋgwa nemari, ʋanofanira kudziŋgiswa; suŋgano yaŋgu iʋe panyama yenyu, iʋe suŋgano isiŋgaperi.
Genesisi 17:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)