Genesisi 17:15-19
Genesisi 17:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akatiwo kuna Abhurahama, “Kana ari Sarai mukadzi wako, hauchazomutizve Sarai; zita rake richanzi Sara. Ndichamuropafadza uye zvirokwazvo ndichakupa mwanakomana naye. Ndichamuropafadza kuitira kuti agozova mai vendudzi; madzimambo amarudzi achabva kwaari.” Abhurahama akawira pasi nechiso chake, akaseka uye akati mumwoyo make, “Ko, mwanakomana angaberekwa nomunhu ava namakore zana okuberekwa here? Ko, Sara angabereka mwana iye ava namakore makumi mapfumbamwe here?” Uye Abhurahama akati kuna Mwari, “Dai hazvo Ishumaeri agara hake pamaropafadzo enyu!” Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera.
Genesisi 17:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, “Kana ari Sarai, mukadzi wako haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake richanzi Sara; ndichamuropafadza iye, ndikupe mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza iye, kuti ave mai vendudzi; madzimambo avanhu achabva maari.” Ipapo Abhurahamu wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumwoyo make, “Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumbamwe, angabereka here?” Abhurahamu akati kuna Mwari, “Dai Ishimaeri achirarama hake pamberi penyu!” Mwari akati kwaari, “Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakuberekera mwanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndichaita sungano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera.
Genesisi 17:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akataurirazve Abhurahamu kuti, “Mudzimai wako Sarai, chirega kunge uchamudaidza nezita rokuti Sarai, zita rake rava kunzi Sara. Ndichakomborera Sara akuberekere mwana mukomana. Ndichakomborera Sara, agova amai vendudzi dzavanhu, maari muchabudawo madzimambo avanhu.” Abhurahamu akati gwadagwa akatyora uso akazviti nechomumwoyo, “Iye munhu ane zana ramakore angaite mwana nhai? Ko Sara ava namakumi mapfumbamwe amakore angabereke mwana nhai?” Abhurahamu akati kuna Mwari, “Madii zvenyu kuchengetera Ishimaeri nhaka iyoyi?” Mwari akati, “Kwete. Sara, mudzimai wako ndiye achakuberekera mwana mukomana ugomutumidza zita rokuti Isaki. Iyeyu nezvizvarwa zvake ndiye wandichaita kuti chitenderano changu newe chienderere mberi nokusingaperi.
Genesisi 17:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari akati ʋo kunaAbrahama: Kana ari Sarai, mukadzi wako, haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake ricanzi Sara; ndicamuropafadza iye, ndikupe mŋanakomana kwaari; ndicamuropafadza iye, kuti aʋe mai ʋendudzi; madzimambo aʋanhu acabva maari. Ipapo Abrahama wakawira pasi neciso cake, akaseka, akati mumŋoyo make: Ko munhu unamakore anezana uŋgaɓerekerwa mŋana here? NaSara, waʋa namakore anamakumi mapfumbamŋe, uŋgaɓereka here? Abrahama akati kunaMŋari: Ƌai Ishmaeri acirarama hake pamberi penyu! Mŋari akati kwaari: Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye ucakuɓerekera mŋanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndicaita suŋgano yaŋgu naye, iʋe suŋgano isiŋgaperi pakati paʋana ʋake ʋanomuteʋera.
Genesisi 17:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)